Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vobvuma Kushanda Vari Pasi paVaTsvangirai ?


Pane mashoko ekuti mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vanonzi vatambira zviri kudiwa neMDC kuti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vave mutungamiri wehurumende yeZimbabwe ane masimba, ndokunge MDC yatambirawo kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa, sezviri kudiwa neZanu-PF.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu-PF nemuhurumende yeSouth Africa, vanoti VaMugabe varambawo nyaya yekuti vangoitwe mutungamiri wehurumende asina masimba sezvakaitwa muchakabvu Reverend Cannan Banana kubva muna 1980 kusvika muna 1987.

Izvi zvinotevera hurukuro dzakaitwa muHarare neChitatu pakati paVaMugabe nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kutangazve nemusi weSvondo, uye dzange dzakatarisirwa kupera nemusi we Muvhuro. Vachitaura nevatori venhau muSenegal mavari kushanya, VaTsvangirai vati zuva iri rinogona kuwedzerwa, kuitira kuti nhaurirano idzi dzienderere mberi zvakanaka.

VaTsvangirai vabvumawo kuti pane zvimhingamupinyi zviri muhurukuro idzi, asi vati zviri kunetsa izvi zvinogona kugadziriswa nekupindana kwenguva.

Vachitaurawo nezuro muHarare, VaMugabe vakatiwo vakagadzirira kuti vange vachibvumawo zvimwe zviri kudiwa neMDC, kunyange zvichirwadza kutambira. VaTsvangirai vanotiwo chingave chinhu chakanaka kana pakaitwa hurumende inofanobata matomu, uye kuti VaMugabe vapihwe mukana wekuenda pamudyandigere murunyararo.

VaGeorge Sibotshiwe ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaSibotshiwe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai vanoda kuumba hurumende inofanirwa nevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG