Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoomesa paChikafu Chinotengwa Kunze kweNyika

Apo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaiwa zvekudya zvakakwana, hurumende iri kuramba ichitora matanho ekuti kuwanikwa kwezvekudya kunyanye kuomesesa.

Zvichitevera kurambidzwa kwakaitwa masangano akazvimirira oga kupa vanhu chikafu, hurumende yava kurambidza zvakare vanounza zvinhu zvakaita semupunga, mafuta, nezvimwewo, kuti vaunze zvinhu zvinodarika 5kg.

Sangano re Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association rinoti vanhu vanodarika 1,7 million, avo vanoita mabasa ekutenga pamwe nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, vachaomerwa nehupenyu, uye vanhu vaitenga zvekudya zvaibva kunze kwenyika, vave kuzvishaiwa.

Vamwewo vanoti hurumende iri kuita izvi, kuitira kuti chirongwa chayo, chebanga guru reReserve Bank cheBACOSSI chibudirire.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nemutungamiri wesangano iri, Amai Vimbai Mgijima, avo vanoti hurongwa hweBACOSSI hauna zvahuri kubatsira sezvo vanoda kutenga zvinhu izvi, vachinzi vanofanirwa kutanga vaita nhengo dzeZANU-PF zviri pamutemo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG