Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaMutambara Vanoita Hurukuro naVaMbeki muHarare


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakapinda muZimbabwe neChitatu vakaita hurukuro naVaRobert Mugabe pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara.

VaMbeki vakasangana naVaMugabe kuState House vakazosangana naVaMutambara kumuzinda weSouth Africa muZimbabwe.

VaMbeki vakasangana nevaviri ava zvichitevera kusangano kwavo naVaTsvangirai neChipiri mu Pretoria. VaMbeki vanoti nhaurirano dzeZanu-PF ne MDC dzichatanga neSvondo. Nhaurirano idzi dzakambomira paita kusawirirana.

Mutori wenhau dzeStudio7, Thomas Chiripasi, audza Blessing Zulu kuti VaMbeki vati nhaurirano dzichatangazve nemusi weSvondo.

Zvichakadaro, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMbeki vari kuyedza kuti vayananise VaMugabe naVaTsvangirai, panyaya yekuti vakwanise kushanda vose. Zanu-PF iri kuda kuti VaTsvangirai vaite mutevedzeri wemutungamiri wechitatu.

Asi veMDC vanoti vanoda kuti VaTsvangirai vaite Executive Prime Minister, uye VaMugabe vopihwawo basa rakamboitwa namuchakabvu, Reverend Canaan Banana, pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna 1980 kusvika 1987.

Asi MDC iri kutiwo pakaitwa hurumende inenge yakafanobata matomu, hainei nekuti VaTsvangirai vawana chigaro chipi, sezvo pachizoitwa sarudzo dzakachena. Zanu-PF inonziwo yave kutsika madziro panyaya yebumbiro remitemo.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika musangano reInternational Crisis Group. VaMasamvu vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMbeki vachine mutoro pakuyedza kuyananisa VaMugabe naVaTsvangirai.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG