Accessibility links

Breaking News

Nyakuponda Oramwirwa Mutumbi weMufi


Hama dzaVaReuben Mutewe, nhengo yeMDC yakarohwa zvakaipisisa kuBuhera Central nevatsigiri veZanu PF mwedzi wapera, ikazofira kuchipatara cheMurambinda masvondo maviri apfuura, dzinonzi dziri kuramba kumuviga dzichida kuti dzitange dzaripwa mombe makumi mana neshanu nevanhu vanofungidzirwa kuti ndivo vakakonzera rufu urwu.

Ishe wedunhu iri, Ishe Nyashanu, vanonzi vari kudawo kuripwa mombe imwe chete nevakaponda murume uyu, senzira yekuchenura dunhu ravo, iro ravanoti rakasvibiswa nekudeurwa kweropa uku.

Mushure mekutora mutumbi waVaMutewe kubva kuchipatara cheMutare nemusi weChishanu svondo rapera, hama dzemufi dzinonzi dzakazotakura mutumbi uyu dzonousiya pamusha paVaPatrick Chimbare, veZanu PF, avo vari kunzi nehama dzemufi, vane chekuita nerufu urwu.

Zvinonzi masoja aive nezvombo, akambotyisidzira baba waVaMutewe nerufu kana vakasaviga mwana wavo, asi hazvina kubatsira. Zvinonzi neChitatu masoja pamwe nemapurisa, vakazotora mutumbi uyu voenda nawo kumochari yechipatara cheMurambinda, kuitira kuti mhuri mbiri idzi dzitaurirane.

VaPatrick Chimbare nevamwe varume vaviri vanonzi vari mumaoko emapurisa pakamba yeMuzokomba vachiferefetwa nezvenyaya iyi.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mutungamiri weZINATHA, uye vari munyori anoona nezvevatungamiri vechivanhu muMDC, Professor Gordon Chavhunduka, avo vati kare vanhu vairipisana mombe dzinosvika gumi, asi nemamiriro aita zvinhu munyaya dzehupfumi, vamwe vanhu vava kuda kuripwa nemombe dzakawanda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG