Nhengo dzeZanu PF, pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko kuGokwe, vari kumanikidza vanhu kubvisa mari inoita $300 billion yekuti ishandiswe pamhemberero dzekukunda kwaVaMugabe pasarudzo yerunoff yavakapinda vega musi wa27 Chikumi.
Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mumatunhu eMatabeleland, uko vanhu vanonzi vari kumanikidzwa kubvisa mari inoita $200 billion pamunhu, upfu, chibage nezvipfuyo zvavo.
Studio 7 haina kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi. Asi zvinonziwo mune dzimwe nzvimbo mudunhu reMashonaland East, Zanu PF yakatoita kare mabiko ekupemberera kukunda kwaVaMugabe uku, uye vanhu vaimanikidzwawo kubvisa mari dzakasiyana siyana nezvipfuyo zvekuitisa mabiko aya.
Mugari wekuGokwe uye vari nhengo yeMDC, VaJonah Muzira, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanenge vakundikana kubvisa mari iyi, vari kunzi vachadzingwa kubva mudzimba dzavo uye pamisika yavanoshandira.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...