Sachigaro veAfrican Union Commission, VaJean Ping, pamwe nenhumwa yeUnited Nations kuZimbabwe, Va Haile Menkerios, vakakwanisa kuti mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, vatambire kubatsirwa nevamwe vakuru mukuyananisa kwavari kuita gakava riri pakati peMDC neZanu PF.
Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa mu South Africa nezuro. MDC inoti inotambira nemufaro hurongwa hwekuwedzera chikwata chichange chichishanda naVaMbeki pakuedza kugadzirisa gakava riri muZimbawe.
MDC yagara ichiti VaMbeki havafanirwi kuita mutongi gava vari vega panyaya yeZimbabwe, sezvo vari kukundikana.
Pachibvumirano chanezuro, VaMbeki ndivo vachange vachitungamira mukuona kuti Zanu PF ne MDC dziri kutaurirana, asi vachishanda nenhumwa dze African Union, pamwe nedze United Nations.
Jonga Kandemiiri
weStudio7 abata mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti tinzwe pamire bato
ravo.
Ukuwo nyanzvi
munyaya dzezve matongerwo, Professor John Makumbe, vanoti vanoona United
Nations ne African Union dzichitora danho guru mukugadzirisa gakava riri
muZimbabwe.