Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo YeMDC Inovigwa MuHarare


Munyori mukuru mubato reMDC, VaTendai Biti, vati zvino tsamwisa bato ravo kuti vari kutarisirwa kutaurirana neZanu PF iyo iri kuponda nhengo dzayo.

VaBiti vataura mashoko aya pange pachivigwa nhengo yebato ravo, VaGift Mutsvungunu, avo vakapondwa nevanhu vano fungidzirwa kuti vasori veZanu PF mumusha weKuwadzana muHarare.

Mutori wenhau Irwin Chifera anotiudza zvizere...

Ukuwo bato reMDC kuManicaland rinoti imwe nhengo yaro, VaReuben Muteke, vakafa musi weMugovera mushure mekushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF.

Mutauriri weMDC mudunhu iri VaPishai Muchauraya vanoti VaMuteke vakapambwa mwedzi wapera kubva pamba pavo kuBuhera South nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko, vachi vapomera mhosva yeku kurudzira vanhu kuti vavhotere MDC.

VaMuteke vanonzi vakazofira kuchipatara cheMurambinda, mutumbi wavo wakazonosiiwa kumochari yechipatara cheMutare nemapurisa uko kwauri pari zvino. Zvichakadaro, bato iri rinoti rakwanisa kuburitsa nhengo dzaro ina dzanga dzichi nyimwa mukana wekurapwa muchipatara cheGokwe, nekudziendesa kuchipatara cheAvenues Clinics muHarare.

Nhengo dzeMDC idzi dzinonzi dzakarohwa nekupiswa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu PF. Vasori vanonzi vanga vachirambidza bato reMDC kuti ribvise nhengo idzi pachipatara apa uye zvinonzi mapurisa akasunga amburenzi mbiri dzakanga dzaenda kunotora vanhu ava.

Imwe nhengo yeMDC, VaJonah Muzira avo vakwanisa kutakura varwere ava kuvaendesa kuHarare vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vakwanisa kutakura vanhu gumi nevaviri.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG