Vana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kutyira kuti vanhukadzi vakawanda havasi kubuda pachena panyaya yekubatwa chibharo, panguva iyo nyaya dzezvematongerwo enyika dzisina kumira zvakanaka munyika.
Bato reMDC rinoti nhengo dzaro dzinosvika zviuru
zviviri, dzakabatwa chibharo, kubva panguva yesarudzo dzemuna Kurume, apo
vechidiki veZANU-PF nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vakatanga
kushungurudza vanhu.
Vaimbove mumiriri we Harare North muparamende mu MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, Mai Trudy Stevenson, vatangawo kurudziro yekuti vanhukadzi vakabatwa chibharo vabude pachena, kuitira kuti vawane rubatsiro. Mai Stevenson vati vari kutyira kuti kubatwa chibharo uku, kunogona kuramba kuchienderera mberi.
Sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanoti zviri pachena kuti vanhukadzi vari kupinda munjodzi iyi, havadi kutaura nezvazvo. Dr Gwatidzo vanoti hupenyu hwevanhu vakabatwa chibharo hwatove munjodzi, kana vakasabuda pachena kunaana chiremba.
Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naDr Gwatidzo kuti tinzwe zvakakoshera kuti vanhukadzi vaende kunovhenekwa navana chiremba mushure mekubatwa chibharo.