Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vanoti nhanga nhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC neZanu-PF hadzirevi kuti kutaurirana kwatanga asi kuti uku kuvaka hwaro chete. Nhanga nhaurirano idzi dzakapinda muzuva rechipiri nerekupedzisira muPretoria South Africa neChishanu.
VaSydney Mufamadi gurukota rezvematunhu muSouth Africa ndivo sachigaro panhanga nhaurirano idzi.
Vari kumiririra Zanu-PF ndiVaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemutemo naVaNicholas Goche, gurukota rezveVashandi. MDC yaVaTsvangirai iri kumirirwa naVaTendai Biti, munyori mukuru webato iri naVaElton Mangoma mutevedzeri wemubati wehomwe.
Ukuwo MDC yaVaArthur Mutambara ichimirirwa naVawelshman Ncube munyori mukuru muchiokwata ichi naAmai Priscilla Misihairambwi -Mushonga mutevedzeri wavo.
VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mhirizhonga inogona kukanganisa nhaurirano.
Zvichakadaro mhirizhonga iri kuitika munyika inonzi ine zvinangwa zvakasiya siyana, zvingango sanganisira kumanikidza mapato anopikisa kuti abvume kugwadama pasi pebato reZanu-PF. Izvi zvinotevera kukwira kuri kuita mhirizhonga ipo patangwa nhanga nhaurirano pakati pemapato anopikisana eZanu-PF neMDC.
Vamwewo ndivo vari kuti izvi zviri kuitwa nevanhu vari kuda kuti munyika murambe muine nyonganyonga, kuitira kuti ivo vakwanise kuramba vachinombora uchi hwenyika voga.
Mukutsvaga kuti chii chaicho chiri kukonzera mhirizhonga uye kutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu munyika, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata nyanzvi mune zvematongerwo enyika Professor John Makumbe pamwe naVaCharles Mutama, avo vakamboshungurudzwawo mumaoko ehurumende avo vatenderana kuti mhirizhonga yakanangana nekutyisidzira vanhu kuti vasasimudze musoro.