Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeChristian Alliance Dzotyira Hupenyu Hwadzo


Dzimwe nhengo dzeChristian Alliance, dzinoti dzave kugara dzakahwanda, dzimwe dzinonzi dzakatobuda munyika, sezvo vave kutyira hupenyu hwavo mushure mekutyisidzirwa nevane chekuita nehurumende yeZANU-PF.

Dzimwe nhengo idzi dzakambosungwa masvondo maviri apfuura, dzinoti dzakaudzwa kuti dziri kuda kuedza kupidigura hurumende nezvinyorwa zvavari kunyora, pamwe nerutsigiro rwavanonzi vari kupa kune vakaparadzirwa misha yavo, kana avo vari kushungurudzwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naPastor Lawrence Berejena nhengo yeChristian Alliance, avo vanoti chokwadi ndechekuti nhengo dzavo dziri kushungurudzwa, sezvo dziri kupomerwa mhosva yekushambadzira mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, musarudzo dzemusi wa 29 Kurume, apo Va Tsvangirai vakakunda VaMugabe.

Zvichakadaro, mutungamiri weEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Bishop Trevor Manhanga, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo hadzina dambudziko sezvo dzisingaite mabasa anopokana nehurumende.

Carole Gombakomba weStudio7 aita zvakare na Pastor Alexander Chisango, avo vanoti kunyange hazvo zvisati zvazivikanwa kuti nhengo dzavo dzakatarisana nedambudziko iri, vari kunzwa mashoko ekuti vamwe vafundisi vari kutarisana nedambudziko rekushungurudzwa munyaya dzezvematongerwo enyika.


Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG