Accessibility links

Breaking News

MDC: Mhirizhonga Ine Hutsine Mukati Yoramba Ichiitika

Mutumbi wemushandi weMDC mudunhu reMashonaland West, VaJoshua Bakacheza, wakawanikwa neMugovera wakapondwa kuBeatrice, pedyo neHarare.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, VaBakacheza vakapambwa pamwe chete naVaTendai Chidziwo, imwe nhengo yeMDC masvondo maviri apfuura.

Bato reMDC rinotiwo vechidiki veZanu PF vari kutevera nhengo dzaro dzakakuwadzwa mumhirizhonga, idzo dziri muzvipatara vachidzishungurudza. Bato iri rinoti izvi zviri kuitika mumatunhu eMidlands, Mashonaland West neManicaland, uko kunonzi vamwe vevanhu vari muzvipatara ava, vakapambwa uye havasi kuzivikanwa kuti varipi.

Mushandi anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vatsigiri veZanu PF ava varwisa zvakare nhengo dzavo dzakapotera kuRuwa mushure mekutiza mhirizhonga.

Zvichakadaro, mashoko atatambira anoti mapurisa kuGokwe neSvondo akabata amburenzi yaida kutora varwere vakakuvadzwa mumhirizhonga yakaitika kuGokwe-Chireya. KuGokwe kwakare, zvinonzi vechidiki veZanu PF nevarwiri vehondo yerusununguko neChina chesvondo rapera, vakarambidza vana chiremba vesangano reDoctors Without Borders, kuti vaone vakakuvadzwa mumhirizhonga vari pachipatara chekuGokwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG