Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzotambira kurudziro yeAfrican Union yekuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vanoti African Union yaifanirwa kunyatsozeya zvakaitika musarudzo, uye kuti ibude nechisungo chinokomekedza VaMugabe kuti vaite sarudzo dzakachena. VaTsvangirai vatiwo VaMugabe vanofanirwa kumisa mhirizhonga, kana vachida kutaura neMDC. Mutungamiri we MDC atiwo havana chivimbo nebasa riri kunzi mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vaite mukuedza kuyananisisa gakava riri pakati paVaMugabe neMDC. Sekutaura kuri kuita Slyvia Manika, VaTsvangirai vatiwo hachisi chokwadi kuti bato ravo riri kutaurirana neZanu PF.
Ukuwo sangano reEuropean Union rinoti kana pakaitwa hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe, hurumende iyi
inofanirwa kutungamirwa naVaTsvangirai. Ukuwo mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vanotiwo VaMugabe vane maoko aneropa, nekudaro hapana anofanirwa
kutambira kusarudzwa kwavo.
Asi VaMbeki vanoti EU haifanirwe kupindira pagakava reZimbabwe, vachiti zviri kuvana
veZimbabwe kuti ndiyani anovatungamira. America inotiwo iri kuendesa gwaro rine
mazita gumi nemaviri evanhu vanofanirwa kutemerwa zvirango zvakaomarara neUnited Nations.
Vanhu ava vanosanganisirawo VaMugabe, pamwe nagavhuna we Reserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono.
Nhengo yeZanu PF, VaJoram Gumbo vaudza mutori wenhau weStudio 7 kuti Zanu-PF yakagadzirira kutaurirana neMDC. Ukuwo VaJoy Mabhenge, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudzawo Blessing Zulu kuti vanhu vemuZimbabwe chavanoda isarudzo yakachena kwete hurumende yemubatanidzwa.