Accessibility links

Breaking News

Humbimbindoga Hoshoresa VaMugabe

Nyika dzakawanda pasi rino, kusanganisira dzemuAfrica, dziri kushora zvikuru danho remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekuenderera mberi nesarudzo, iyo yange yanzi nevakawanda imbosendekwa parutivi.

ANC inoti zviri kuitwa naVaMugabe zvinhu zvisingatarisirwe panyika ine hutongo wejeketere, uye sarudzo iyi kutambisa nguva. Zambia yatiwo vanhu vemuZimbabwe havana kubvisa vachena kuti vadzvinyirirwe nemunhu mutema.

Mutungamiri weBotswana, VaIan Seretse Khama, vatiwo kana SADC ikasatora matanho akaomarara pana VaMugabe, ivo mbune vachaona zvekuita naVaMugabe.

Nyika sere dzakabudirira dzeG-8 dzashorawo VaMugabe, izvo zvatsigirwawo ne European Union. America inotiwo iri kuda kuti United Nations itemere hurumende yaVaMugabe zvirango zvakaomarara.

Director weSADC Organ on Politics and Defense, VaTanki Monthae, vaudzawo Studio 7 kuti vanhu vakawanda vange vachiratidza kushaya hany’a nesarudzo iyi, uye vatiwo vanhu veZanu-PF vange vachityisidzira vanhu uye kuvati vanyore maserial number avo ekuratidza kuti vavhota. Vati izvi zvanga zvichitwa zvikuru kuMashonaland East.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti sarudzo yange ichifamba pasina zvimhingamupinyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG