Sangano reZESN rinoti harisi kuzoongorora zviri kuitika musarudzo yemangwana pasarudzo yerun-off.
Izvi zvichareva kuti sarudzo iyi, ichange ichiongororwa nevekunze kwenyika, vanosvika mazana mana nemakumi matanhatu, vari pasi peSADC ne Pan African Parliament.
Kunyange hazvo ZEC iri kuti yakanyoresa vanoda kuongorora sarudzo
vemuZimbabwe vanosvika makumi masere nevana, ZESN inoti neChitatu, ndipo
payakatambira tsamba kubva kune gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, yekuti vanokwanisa kunyoresa vaongorori vanosvika mazana
mashanu chete.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naNational Director ve ZESN, Mai Rindai Chipfunde Vava, avo vanoti kuregera kuongorora sarudzo iyi, hakunei nekuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakabuda musarudzo iyi.