Accessibility links

Breaking News

Operation Tiratidze Ink Yorongerwa Vatsigiri veMDC


MDC inotungamirwa naVaTsvangirai iri kukurudzira vatsigiri vayo munyika yose kuti vangwarire hupenyu hwavo, apo Zanu PF ichange ichimanikidza vanhu kuti vanovhota. MDC inoti sezvo Zanu PF yaparura muchivande chirongwa chekushungurudza vatsigiri veMDC chinonzi Operation Tiratidze Ink, kana kuti Operation Show Us The Ink, vanhu vanofanirwa kuenda kunzvimbo dzekuvhotera voita sekunge vavhota, kuitira kuti vasarohwe nevatsigiri veZanu PF. VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa, kuti vatsanangure mazano avari kupa vatsigiri vavo.

Ukuwo vatsigiri veZanu PF vanonzi vari kushungurudza pamwe nekurova nhengo dzeMDC kwaMutare. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau Loirdham Moyo ari maMutare, chirongwa cheZanu PF che Operation Tiratidze Ink chinonzi chichange chishandiswa neChishanu, apo vanhu vachange vachimanikidzwa kuratidza zvigunwe zvavo kuvanhu veZanu PF. Anenge asina ingi anobva arohwa achinzi seyi usina kunovhota.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG