Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Vatyairi Vayo Vaviri Vapambwa

Mhirizhonga iri kuramba ichikwira munzvimbo dzakawanda dzenyika. Musha wevaimbowe mumiriri webudiriro muparamende, VaEmmanuel Chisvuure, wakaparadzwa kuGokwe-Chireya kuMidlands nemusi weSvondo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF. Zvinonzi hama dzaVaChisvuure, kusanganisira baba wavo, vakarohwa zvakaipisisa. Vatsigiri veZanu PF ava vanonzi vakabva vaisa kamba yavo pamusha apa, apo vanonzi vari kuuraya zvipfuyo vachidya pamadiro.

Ukuwo mashoko abva kuMasvingo anotiwo zvitoro zvose zvavhariswa, apo vanhu vanga vachitinhwa nemasoja kuenda kumusangano weZanu PF wanga uri kunhandare yeMucheke. Vanhu vazhinji vanonzi varohwa muchiitiko ichi. KuGweru zvinonzi vechidiki veZanu PF vapisa imwe service station inotengesera masangano akazvimirira oga mafuta edzimotokari.

Ukuwo, MDC inoti mutyairi wayo VaJoshua Bakacheza, vakapambwa neChipiri, ukuwo mutyairiri wemunyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, VaTendai Sauramba, vapambwawo neChitatu nevanofungidzirwa kuti vasori. Vatyairi ava havasati vazivikanwa kuti varipi, uye motokari dzavaive nadzo dzakatorwawo nevakavapamba ava.

Mukuru wezvekutakurwa kwezvinhu muMDC, VaBarnabas Ndira, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti motokari yakanga iina VaBakacheza yakanga ichitamisa mudzimai wemushakabvu Tonderai Ndira kubva kuMabvuku kuenda kuKuwadzana.

Ukuwo nhengo dzeMDC kuHeadlands dzinoti dziri kugara dzakashungurudzwa nevatsigiri veZanu PF. Sekutaura kuru kuita mutori wedu wenhau ari kuManicaland, Loirdham Moyo, vamwe vanoti vari kumanikidzwa kuita zvepabonde nevanhukadzi vavasingazive, vamwe vachinzi itai zvepabonde nedanda remuti.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG