Dare redzimhosva rati richapa mutongo waro neChina pachikumbiro chakapihwa kudare nemagweta ari kumirira munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
VaBiti vakasungwa musi wa 12 Chikumi
vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba, uye kuzvidza VaMugabe. Asi VaBiti vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro nerimwe remagweta ari kumirira VaBiti, VaLewis Uriri, kuti tinzwe mafambiro aita zvinhu kumatare.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...