Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoyambira VaMugabe Kuti Vakusiiwa Vari paMhene


Nhumwa yeUnited Nations iri muZimbabwe, Va Haile Menkerios, vaudza hurumende yaVaMugabe kuti inofanirwa kumisa mhirizhonga kana ichida kuramba iri nhengo yesangano iri, uye kuitira kuti iwane rubatsiro.

Mutsamba yapihwa hurumende yaVaMugabe naVaMenkerios ichibva kumunyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-moon, United Nations yati hurumende yeZimbabwe inofanirwa kungwarira kuti isasiiwe pachena nedzimwe nyika. Tsamba iyi yatiwo zviri pachena kuti hurumende iri kushungurudza nhengo dze MDC.

Ukuwo sangano reUnited Nations Security Council rinoti harisi kufara zvachose nemhirzhonga iri kuitika muZimbabwe. Sangano iri rinotiwo zviri kuitika muZimbabwe zvava kukanganisa magariro akanaka evanhu vari kuchamhembe kwe Africa.

South Africa, iyo inove nhengo ye Security Council, yakabvumirana nevamwe vayo kekutanga kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe. Gwaro raburitswa nasachigaro we United Nations Security Council, VaZalmay Khalilzad, veku America, rinotiwo Security Council haisi kufara nekurambidzwa kutsvaga rutsigiro kuri kuitwa nhengo dze MDC.

Security Council inotiwo hurumende yaVaMugabe inofanirwa kumisa zvachose mhirizhonga iri munyika, uye kuremekedza zvakabuda musarudzo yemuna kurume.

VaBoniface Chidyausiku ndivo mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaChidyausiku kuti vanofungei nezvataurwa neSecurity Council.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG