Accessibility links

Breaking News

Musha waVaMudzuri Unorwiswa neMasoja kuZaka, Masvingo



Musha wevachangosarudzwa kumirira Warren Park muparamende uye vaimbowe meya weguta reHarare, VaEllias Mudzuri, unonzi warwiswa mambakwedza nemasoja gumi anga akapakata zvombo kuZaka kuMasvingo. Zvinonzi masoja aya apfura ndokukuwadza mukomana mumwe chete uye arova vanhu vakawanda izvo zvasiya vanhu vanomwe, kusanganisira vabereki vaVaMudzuri, vakuvara. Vakuvadzwa ava vanonzi vamhanyiswa kuchipatara chiri muHarare. Masoja aya anonzi abawo zvinhu zvakasiyana siyana zvinosanganisira mari inoita Z$75 billion, uye vapisa motokari imwe chete.

Munin’ina waVaMudzuri, Anthony, uyo arohwawo zvakaipisisa, audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vave kutyira kuti zvimwe masoja aya achadzoka zvakare kuzovarwisa.

Zvichakadaro, mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoti vanhu vanosvika makumi matatu nevaviri vapambwa mudunhu reManicaland. VaMuchauraya vatiwo mumwe mudzimai wemumusha weMaonde muMutare Central, abatwa chibharo nevarume vashanu pamberi pemurume wake, vachizopambwa vose pashure.

Vatsigiri veZanu PF vanzi vaisawo maroadblock paChristmas Pass, apo vanzi vari kumanikidza vanhu kunamira mapepa ane mufananidzo waVaMugabe pamotokari dzavo.

KuChiredzi zvanzi vatsigiri veMDC vashanu vakapambwa neMuvhuro vakapfurwa, vana vakazowanikwa vakafa, uye mumwe chete ari muchipatara cheChiredzi umo ari kunzi upenyu hwake huri munjodzi. Vatsigiri veMDC vanodarika makumi mapfumbamwe vafa kusvika parizvino mumhirizhonga iri kuitika munyika. MDC yati misha inodarika zviuru gumi yakaparadzwa mumhirizhonga uye vanhu vanodarika zviuru mazana maviri, 200 thousand, havachina pekugara.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...


XS
SM
MD
LG