Accessibility links

Breaking News

Vedzisvondo Voita Basa Vakanyarara

Vamwe vemakereke vanoti vari kunetsekana nekutambudzwa kuri kuitwa vanhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vamwe vataura neStudio 7 vanoti kubva pakarambidzwa masangano akazvimirira oga kupa vanhu rubatsiro nehurumende, vemachechi vanoti vakabva vayambirwawo kuti varege kubatsira vari kupisirwa dzimba, vari kushaya zvekufuga, zvipfeko, kana zvekudya. Vanoshanda vari pasi pe Christian Alliance, vakambosungwa svondo rapera, asi vanoti vacharamba vachitsvaga nzira dzekubatsira vanotambura.

Vamwewo vatungamiri vemakirike vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika iye zvino, ndezvekuti vamwe vatungamiri vemachechi vari kutorohwa munzvimbo dzavari vachinzi vasabatsire vanoda rubatsiro.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naReverend Ray Motsi, sachigaro weZimbabwe National Pastor’s Conference, avo vanoti kunyange hazvo ivo nevamwe vavo vasingabvumidzwe kutaura panhepfenyuro kana mumapepanhau, makirike ari kupa vanhu tariro yekuti kubuda kwaVaTsvangirai musarudzo, kuchaita kuti zhowe zhowe iri munyika ipere, sezvo pachange pasina chekurwira.


Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...
XS
SM
MD
LG