Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oramba Kuti Mhirizhonga Iri Kuwedzera Munyika


Kunyange hazvo mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, vachiti mhirizhonga yaderera munyika, MDC inoti mashoko aya haazi echokwati uye mhirizhonga iyi yasvika pachinhanho chakaipisisa.

Vachitaura nebepanhau reHerald, VaMandipaka varamba zvekare mashoko eMDC ekuti vatsigiri vayo vari kurohwa uye kuurayiwa nevatsigiri veZanu PF. Asi MDC inoti vatsigiri vayo vari kuramba vachipambwa uye kupisirwa dzimba nevatsigiri veZanu PF.

Bato iri rinoti neChina kune nhengo dzaro mbiri dzakapisirwa dzimba kuMberengwa. Mumwe wenhengo dzakapisirwa dzimba idzi, ndiVaEsau Dube, avo vakakwikwidza kumirira MDC kuMberengwa West, asi vakakundwa.

Zvinonziwo kuChipinge mhuri makumi maviri, idzo dzakapisirwa dzimba musi weChipiri pamwe chete nemusha wababa vasachigaro veNCA, VaLovemore Madhuku, vava kurara panze mushure mekupisirwa dzimba dzavo. KuBulawayo zvinonzi kune vatsigiri veMDC gumi vakarohwa zvakaipisisa neChina nemasoja.

KuHarare zvinonzi kune vanhu vakarohwa zvakaipisisa mushure mekunge vatorwa nevatsigiri veZanu PF usiku kuZengeza. Vanhu ava vakazoendeswa kukamba yeZanu PF uko vakarohwa zvakaipisisa vachipomerwa mhosva yekuda kutengesa nyika.

Muzvare Wadzanai Chikoti ndemumwe wevatsigiri veMDC vakarohwa neChina usiku. Wadzanai, uyo ainda kuchipatara che Avenues Clinic kunorapwa nhasi, aita hurukuro na Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti tinzwe zviri kuitika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG