Accessibility links

Breaking News

Muongorori weZESN Anopondwa kuHurungwe North

Muongorori wesarudzo mu ZESN, VaElliot Machipisa, avo vanogara kuHurungwe North, vakarohwa vakafa neChipiri manheru nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZANU-PF. Mudzimai waVaMachipisa anonzi ari muchipatara mushure mekurohwawo zvakaipisisa.

Kubvira pakaitwa sarudzo dzemuna Kurume, vaongorori ve ZESN gumi nevaviri, vakarohwa, vamwe zana nemakumi masere nevanomwe, vakadzingwa mudzimbo dzavaigara, uye vanhu makumi manomwe nevashanu, vanonzi vakaputsirwa midziyo yavo, vachinzi ndivo vakabatsira kuti Zanu PF ikundwe.

Amai Rindai Chipfunde-Vava ndivo National Director veZimbabwe Election Support Network. Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naAmai Chipfunde Vava kuti tinzwe kuti VaMachipisa vakaponderweyi uye sangano ravo riri kutambira seyi hurongwa hwevaongorori vesarudzo munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG