Mudzimai wakanzura weMDC muWard 42 muHarare, Va Emmanuel Chiroto, avo takati vakange vasingazivanwi kuti varipi mushure mekupambwa kwavo neMuvhuro, vakawanikwa vakafa. Mutumbi waAmai Abigail Chiroto unonzi wakawanikwa neChipiri wakakandwa musango repurazi reART, kuBorrowdale, zvichitevera kupambwa kwavo pamwe nemwanakomana wavo ane makore mana manheru eMuvhuro. Amai Chiroto, avo vanga vava nemakore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa, vanonzi vakapambwa vari mumba mavo nevanhu vakanga vakapakatira pfuti, uye vaine motokari mbiri.
Vanhu ava vakasiyawo vapisa imba yaVaChiroto, iyo iri mumusha weHatcliffe. Mwanakomana wavo anonzi akazowanikwa neChipiri asiiwa pakamba yemapurisa yeBorrowdale. Vaongorori vesarudzo veSADC vari munyika vanonzi vakasvikawo paitsva imba yaVaChiroto, vakazvionera nemaziso avo.
VaChiroto, vakasarudzwa nemamwe makanzura eMDC sameya weguta reHarare nemusi weSvondo, kunyange hazvo makanzura aya asati agadzwa zviri pamutemo.
VaChiroto vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa ava zivisa kuti vamirire nyanzvi ichatarisa mutumbi wemudzimai wavo vasati vavigwa.
Zvichakadaro, vakakwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri weBuhera North muparamende, vaJulius Magaramombe, vanoti vanhu vana vaurayiwa muWard 7 yeBuhera North kubva neChishanu. Zvinonziwo VaKenneth Mwalimu Singende, avo vaive murairidzi, vakapondwa nemasoja kwaNerupiri kuGutu South neChipiri.
KuBulawayo Polytechnic, zvinonzi vechidiki veZanu PF vamanikidza varairidzi pamwe nevadzidzi kupinda mumusangano weZanu PF.
Mashoko atatambirawo kubva kuProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, anoti varairidzi vatanhatu vauraiyiwa mwedzi uno mumhirizhonga iri kuitika munyika. Pavatanhatu ava,varairidzi vana vakapondwa ndevekuMasvingo. Mutangiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti vanhu vakapondwa kuMasvingo, vakapondwa nevatsigiri veZanu PF, vachitungamirwa nevakuru vezvematongerwo enyika mudunhu iri. VaZhou vashora zvikuru kuita uku, vakatiwo zviri pachena kuti sarudzo ye runoff, ichange isina kuchena.