Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vanoita Musangano weChimbichimbi naVaMugabe


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, neChitatu vakaita musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuBulawayo.

Musangano uyu unotevera kushorwa kuri kuitwa VaMugabe pamwe naVaMbeki nenyika dzepasi rose nenyaya yemhirizhonga iri kuitika munyika.

VaMbeki, avo vasvikira muHarare masikati, vatanga vasangana nemumiriri wenyika yavo muZimbabwe, VaMlungisi Makhalima muHarare, ndokuzonosangana naVaMugabe muBulawayo.

VaMbeki vakagurira panzira rwendo rwavo kuSudan neChipiri, kuitira kuti vawane mukana wekuita hurukuro naVaMugabe.

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vati VaMbeki vari kuyedza kuti VaMugabe vabvume kupinda muhurumende yemubatanidzwa, uye kuti vamise mhirizhonga iyo yaurayisa vanhu vakawanda vanotsigira MDC.

Zvinonziwo VaMbeki vange vachikurudzirawo VaMugabe kubvuma kusiya chigaro kana vachinge vakundwa musarudzo. VaMugabe vanoti havasi kuzobvuma kusiya chigaro vakakundwa musarudzo.

Asi mutauriri webazi rehurumende rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaRonnie Mamoepa, vaudza Studio 7 kuti VaMbeki vari kuuya samutongi gava akadomwa neSADC asi varamba kutaura nezvemusangano uyu.

Bepanhau reHerald rinoti VaMbeki vange vachizotaura nezvenyaya yesarudzo uye zviri kuitwa mukutsvaga rutsigiro. Hatina kukwanisa kuziva kuti VaMbeki vachasanganawo here naVaTsvangirai.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika kuchamhembe kweAfrica musangano reInternational Crisis Group.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMbeki vakundikana kugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG