Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzoshungurudzwa muMbare


Mhirizhonga iri kuenderera mberi mumusha weMbare, zvichitevera kuburitsirwa midziyo kwevamwe vatsigiri veMDC, uye kumanikidzwa kupinda mubato reZanu PF kwedzimwe nhengo dziri muhutungamiri hweMDC. Izvi zvaitwa vatori venhau veZBC varipo.

Zvinonzi vaongorori vesarudzo veSADC vapinda mumusha weMbare vachida kuona zviri kuitika izvi, asi vadzingwa nevechidiki veZanu PF. Asi mutauriri wevaongorori veSADC, VaTanki Mothae, vaudza Studio 7 kuti havasati vatambira mashoko ekuti nhengo dzavo dzadzingwa mumusha weMbare.

Zvinonziwo vaongorori vesarudzo ava vadzingwawo zvakare mumusha weEpworth. Sachigaro wesangano reCHRA, VaMike Davies, vanoti sangano ravo riri kushora zvikuru zviri kuitwa nebato reZanu PF kuvagari vemuHarare uye rakurudzira masangano ekunze kuti abatsire mukumisa mhirizhonga iyi zvinhu zvisati zvaita manyama amire nerongo.

Vachango sarudzwa kumirira Mbare mudare reparamende, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko ravaratarisana naro pari zvino ndere kutsvagira pekugara vari kudzingwa mudzimba ava.

Zvichakadar

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG