Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neVaongorori veSarudzo muSADC


Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neMuvhuro nevaongorori vesarudzo veku SADC, vakavapa zvichemo zvavo. VaTsvangirai vanga vachiperekedzwa nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, pamwe nemunyori wenyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Professor Eliphas Mukonoweshuro.

Vakuru veMDC ava vasangana na Executive Secretary weSADC, VaTomaz Salamao, pamwe nemutungamiri weSADC Secretariat on Politics, Defence and Security, VaTanki Mothae. VaTsvangirai vanonzi vaudza vaongorori ava kuti masoja nemapurisa havafanirwe kutsvagira VaMugabe rutsigiro. VaTsvangirai vatiwo munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vaburitswe muhunsungwa, uye vatori venhau veZBC, vavape nguva pamhepo yekushambadza zvavanofunga kuti vachiitira vanhu kana vakasarudzwa semutungamiri wenyika.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza, mutauriri we MDC, VaNelson VaChamisa, kuti zvii zvataurwa pamusangano wanhasi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG