Accessibility links

Breaking News

Vanotambura Votorerwa Chikafu neZanu PF

Vatsigiri veZANU-PF vanonzi vakapamba motokari ye Catholic Relief Services yakange iine chikafu chaifanirwa kupihwa vanotambura, vakachigoverana pamusangano weZANU-PF kuManicaland.

Motokari iyi yaive nechikafu chakabva kuhurumende yeAmerica, uye yakapambwa pamberi pekamba yemapurisa kuBambazonke kuManicaland.

Vanoziva zvakaitika vanoti gavhuna veManicaland, VaTinaye Chigudu, ndivo vakatuma vechidiki veZANU-PF, kuti vapambe zvekudya izvi, izvo zvaida kugoverwa kuzvikoro zvinosvika makumi maviri nezvitanhatu.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVa Chigudu kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hofisi yemumiriri weAmerica muZimbabwe, inoti zvinoshamisa ndezvekuti apo sangano rakatorerwa zvekudya rakaman’ara kubazi re Foreign Affairs, vakaudzwa kuti hakuna nzvimbo inonzi Bambazonke kuManicaland.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naReverend Forbes Matonga vekuChristian Aid, kuti tinzweo pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG