Accessibility links

Breaking News

Maitiro eHurumende Onetsa Nhengo dzeNANGO


Sangano reNational Association of Non-Governmental Organisations, NANGO, rinoti tsamba yakanyorwa negurukota rezvevashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, VaNicholas Goche, yekuti vambomira kuita basa ravo, haiburitsi pachena zvakatadzwa nemasangano aya.

VaGoche neChitatu vakanyorera masangano anoshanda akazvimirira oga kuti asaite hurongwa hwekupinda muvanhu achivabatsira, kudzimara audzwa zvekare zvekuita nehurumende.

Ongororo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti pari zvino, masangano anopa rubatsiro rwechikafu ndiwo chete akatambira tsamba yakabva kuna VaGoche, asi masangano anoita zvematongerwo enyika, haasati atambira tsamba iyi.

VaCephas Zinhumwe vanowe chief executive officer weNANGO vaudza Patience Rusere weStudio 7 kuti izvi zvinosiya masangano aya asingazivi zvekuita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG