Accessibility links

Breaking News

VaOdinga Vanoshora Kumbochengetedzwa neMapurisa kwaVaTsvangirai


Mutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga, vashora zvikuru kumbochengetedzwa neChitatu kwakaitwa mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nemapurisa ekuLupane kuMatabeleland North. Vachitaura vari kumusangano we World Economic Forum for Africa kuCape Town, South Africa, VaOdinga vati zvakaitwa nehurumende yaVaMugabe, zvinoratidza kuti VaMugabe vari kutonga nehudzvinyiriri. VaOdinga vati ndivo vakanyengetedza VaTsvangirai kupinda musarudzo iri kudzokororwa, sezvo zvichizoratidza pane pfungwa dzaVaMugabe, avo vasiri kuda kubva pachigaro. Vatiwo vakaudza VaTsvangirai kuti rusununguko muAfrica haruuye nyore kubva kuvatungamiriri venyika dzemu Africa. VaOdinga vashorawo zvikuru vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kurega kutsiura VaMugabe, zvinhu zvichiipa munyika iyi.

Hurumende yeAmerica yashorawo kuchengetedzwa kwaVaTsvangirai, ikati SADC, kunyanya South Africa, inofanira kuona kuti VaMugabe havafanire kuramba vachiita zvakadai. Mashoko ari kubuda mumapepanhau anoti VaTsvangirai vakazoregedzwa mushure memaawa anodarika gumi, zvichitevera kupindira kwakaita mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, avo vanonzi vakataura nevamwe vakuru muhurumende kuti vasiye VaTsvangirai vari vega. Mashoko aya atsinirwa nehurumende yeSouth Africa, iyo yati ichokwadi kuti VaMbeki vakafonera vakuru vari muHararevachivaudza kuti vasanetse VaTsvangirai.

Sangano reAmnesty International rashorawo tsika yaVaMugabe yekushungurudza vanovapikisa.

VaBrian Kagoro vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Policy Manager weAction Aid International-Africa vati.

VaKagoro vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe vari kushandisa mhirizhonga senzira yekutsvaga rutsigiro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG