Accessibility links

Breaking News

Zviuru neZviuru zveVanhu Zvosangana naVaTsvangirai muBulawayo


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neMuvhuro vakachingamidzwa nevanhu vakawanda vemuBulawayo, apo vakapinda mudzimba vachikurudzira vanhu vemuguta iri kuti vavavhotere musarudzo yemutungamiri wenyika.

Sarudzo iyi iri kuitwa musi wa 27 Chikumi. VaTsvangirai vakatora danho iri zvichitevera kurambidzwa kuita misangano nevatsigiri vavo, kwavari kuitwa nehurumende. NeMugovera, VaTsvangirai vakange vari kuHwange nekuVictoria Falls, uko vakarambidzwa kuita misangano yavo nemapurisa.

Vanhu vakawanda vanonzi vakaratidza kufara apo vaona VaTsvangirai vachifamba mumigwagwa, pamwe nekupinda mudzimba vachitaura nevatsigiri vavo.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vashanyira misha yakaita seNkulumane, Mpopoma, Nketa neimwe uko kwauya zviuru nezviuru zvevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG