Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yokanganisa Sarudzo yeRun Off


Nyaya yemhirizhonga munyika iri kuramba ichienderera mberi, uye vatsigiri veMDC vanodarika makumi mashanu, vanonzi vakapondwa kusvika pari zvino. MDC inotiwo kumaruva kwaberekera ingwe, zvekuti havasi kukwanisa kutsvaga rutsigiro.

Vanhu vakawanda vari kutiza misha yavo, izvo zvichavatadzisa kuvhota musarudzo ye run off. Nekuda kwemhirizhonga iyi, vamwe vanoti pave kuda kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa inogona kupodza maronda enyika.

Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, hapana kuwirirana panyaya iyi. Kunyange zviri pachena kuti Zanu-PF iri kupesvedzera mhirizhonga, mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vanoti MDC iri kuda kuvazora mafuta enguruve yavasina kudya.

Mukutarisa nyaya yesarudzo yerun-off mutori wenhau weStudio 7, Blessing Zulu, ataura naVaTapera Kapuya, vanova Coordinator weNCA kuPretoria South Africa, uye Muzvare Gladys Hlatshwayo, Advocacy Officer veCrisis in Zimbabwe Coalition, avo vatenderana kuti nyaya yemhirizhonga iri kukanganisa zvikuru nyaya yesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG