Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuChiweshe Vogara Vakatyira Hupenyu Hwavo


Munyori anoona nezvemafambisirwo emabasa muMDC kuMakoni West, VaAaron Gandanga, vanonzi vakapambwa manheru eChitatu kubva paMasvosva Business Centre nevatsigiri veZanu PF vaive nepfuti.

Vakaona zvichiitika vanoti vanhu vakapamba VaGandanga, vaitungamirwa naRetired Leuitenant Colonel Romeo Mutsvunguma, avo vakamboshanda vari pamuzinda weZimbabwe uri muWashington DC, vari military and intelligence attache.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMutsvunguma sezvo tisina nhare dzavo. Hazvisati zvazivikanwa kuti VaGandanga vakaendeswa kupi.

Ukuwo, bepanhau reHerald rinotiwo vatsigiri veZanu PF vatanhatu vari kurapwa muchipatara cheMurambinda kuBuhera North, uye misha inodarika gumi yakapiswa zvichitevera kurwisana kwavakaita nevatsigiri veMDC neChitatu.

Mashoko atatambira anotiwo vatsigiri veZanu PF vaviri vakafa uye vamwe vatatu vakakuvara zvichitevera kurwisana kwavakaita nevatsigiri veMDC kuMazowe Central neChitatu. Vamwe vatsigiri veMDC vanonzi vakakuvarawo zvakaipisisa.

Pari zvino nzvimbo iyi yakazara nemapurisa nemasoja, ayo vari kuedza kuchengetedza runyararo. Pamusangano wakaitwa neChitatu muHarare pakati peMDC, Zanu PF, mapurisa pamwe neZEC, mapurisa akazivisa kuti ava kukwanisa kudzivirira mhirizhonga iri kuitika munyika.

Zvinonziwo mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, vakakurudzirawo kuti mapato ezvematongerwo enyika ave nechivimbo nemapurisa mukuita basa rawo. Kunyange hazvo mapurisa akati ari kuita basa rawo nemazvo, mhirizhonga iri kuramba ichienderera mberi munyika.

Vachangosarudzwa semumiriri weMazowe Central muparamende, VaShepherd Mushonga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa ari kusunga varume vose vavanowana mumusha wekwaKodzwa uye vanhu vachiri kuhwanda mumakomo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG