Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inotyisa Inoitika kuMazowe Central


Mhirizhonga inotyisa inonzi yaitika mubhuku rekwaKodzwa kuChiweshe, kuMazowe Central, uko vatsigiri veZanuPF vanonzi varwisana nevatsigiri veMDC. Zvinonzi vanhu vakawanda vakuwadzwa pachiitiko ichi, uye vatsigiri veMDC vanodarika makumi maviri, vanonzi vasungwa.

Zvinonziwo chikopokopo chemauto chatumirwawo munzvimbo iyi uko chinonzi changa chichitenderera chichityisidzira veruzhinji, avo vanonzi vatizira mumakomo. Vakuwara muchiitiko ichi vanonzi vatadza kuendeswa kuchipatara sezvo nzvimbo iyi yanga isingapindiki nekuda kwemapurisa anodzivirira mhirizhonga ayo aendako.

Vachangosarudzwa semumiriri weMazowe Central muparamende, VaShepherd Mushonga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka mudunhu ravo sezvo vatsigiri veMDC vadzoserawo mhirizhonga yanga yatangwa neZanu PF iyi.

Zvichakadaro, vamwe vari kukonzera mhirizhonga iri kuitika munyika vanonzi vatora rimwe gwara rekushungurudza naro nhengo dzeMDC. Zvinonzi vanhu ava vava kuita zvekupamba vanhu vachinovaponda muchivande.

Kubva mazuva adaidzirwa kuti makamba akanga aumbwa nevatsigiri veZanu PF aputswe uye mhirizhonga imiswe, pava nehuwandu hwevanhu, zvikuru vari muhutungamiri hwebato reMDC, vari kupambwa vachipondwa kana kurohwa zvakaipisisa.

Nhengo dzebato iri dzakawanda dzinosanganisira VaTonderai Ndira, VaBetter Chakururama, pamwe naVaShepherd Jani, dzakapondwa mushure mekupambwa. Vamwe vanhu kusvika pari zvino havasi kuzivikanwa kuti varipi mushure mekunge vatorwa kubva mudzimba dzavo nevanhu vasingazivikanwi.

Ukuwo, usiku hweChipiri kuMashonaland Central, kune imwe nhengo yeMDC, VaDereck Sora avo vakatorwa kubva pamba pavo mubhuku rekwaChihuri riri muShamva North nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

Mukuda kunzwa zvave kuitika izvi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata VaAlois Chaumba vanowe sachigaro weZimbabwe Peace Project avo vati vari kushushikana zvikuru nemapurisa ayo asiri kusunga vari kukonzera mhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG