Accessibility links

Breaking News

SADC Inotarisirwa Kuzeyazve Nyaya yeZimbabwe

Vatungamiri veSADC vari kutarisirwa kusangana kuJapan neChipiri kumucheto kwemusangano weTokyo International Conference on African Development, kana kuti TOCAID, kuti vakurukure nyaya yeZimbabwe.

Sachigaro weSADC, VaLevy Mwanawasa, vari kutarisirwa kutura kuvakuru veSADC chikumbiro chemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, chekuti SADC itumire vaongorori vesarudzo uye vanochengetedza runyararo kuti vapinde munyika mukupera kwemwedzi uno.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanovazve mutongi gava panyaya yeZimbabwe, neMuvhuro vakatumira sachigaro wenhaurirano pakati peMDC ne Zanu PF, VaSydney Mufamadi, kuti vanoita hurukuro naVaMugabe musangano weChipiri usati watanga.

Vari kumiririra VaMugabe panyaya yesarudzo ye run off, VaEmmerson Mnangagwa, vanotiwo VaMugabe vachatambira zvinenge zvabuda musarudzo iyi.

National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, vaudza mutori wenhau weStudio 7, Blessing Zulu, kuti SADC kana ichikundikana kuita basa ngaikumbire AU kana UN kuti ibatsirwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG