Accessibility links

Breaking News

Parirenyatwa Hospital Yoti Mutumbi waVaNdira Hautsvagwi Chakamuuraya?


Mhuri yaVaTonderai Ndira, nhengo yeMDC yakapondwa nevanofungidzirwa kuti vasori, inoti yaziviswa nevashandi vepachipatara cheParirenyatwa, uko kune mutumbi waVaNdira, kuti varambidzwa kutsvaga chakauraya VaNdira, kana kuti post mortem.

Mhuri iyi inoti vashandi vepachipatara apa vanonzi vakaudzwa nevari kumusoro kuti post mortem haifanirwe kuitwa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revakuru vepachipatara ichi, kanawo kubva kugurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa..

VaNdira vakapambwa mambakwedza svondo rapera nevanhu vainge vakavhara zviso zvavo, ndokubva akandwa muchikakarara chemotokari yerudzi rweToyota Single Cab, registration number 772 224T.

VaNdira vanga vari munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwebato muHarare province.

Munin’ina wavo, VaTobias Machiridza, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mukoma wavo asiya mudzimai nevana vaviri.

Zvichakadaro, vatsigiri veZanu PF vanomwe vanga vakapakatira zvombo, vanonzi vamanikidza vanhu vemunharaunda yeWard 2 kuMazowe Central, kupinda mumusangano wavo, apo vanonzi vanga vachimanikidza vanhu kuti vati inhengo dze MDC , uye vakakanganisa nekupinda kwavakaita mubato iri. Zvinonziwo varume veZanu PF ava, vakapambawo mumwe mutsigiri weMDC svondo rapera, uyo asiri kuzivikanwa kuti aripi pari zvino.

KuMashonaland East, mashoko atatambira anoti mubati wehomwe weMDC mudunhu iri, VaShepherd Jani, vapambwa mangwanani kwaMurehwa nevarume vana vanga vakapakatira zvombo. KuUzumba neMaramba-Pfungwe, kunonziwo kwawanikwa mitumbi mitatu iyo inonzi yaendeswa kumochari yechipatara cheMutawatawa.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muMDC mudunhu reMashonaland East, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri kuti vari kunetsekana kuti vakwanise kupinda munzvimbo idzi kuti vatore dzimwe nhengo dzavo dzakarohwa zvakaipisisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG