Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yodzikira muSouth Africa?

Mashoko atiri kutambira kubva ku South Africa anoti mhirizhonga iri kuitika munyika iyi yanga isina kunyanya neChitatu. Asi masangano akazvimirira oga ari kubatsira vanhu vari kuvhiringwa nemhirizhonga iyi, anoti awandirwa zvikuru nebasa iri.

Masangano aya anoti vanhu vanosvika zviuru gumi nezvina havachina pekugara, zvichitevera kupiswa pamwe nekupwanywa kwedzimba dzavo mumhirizhonga iyi. Mapurisa anoti vanhu makumi mana nevaviri vafa mumhirizhonga iyi, kubva payakatanga.

VaSteven Ncube mumwe wezvizvarwa zvemuZimbabwe vakarohwa, pmawe nekutorerwa zvinhu zvavo, uye vava kugara pakamba yemapurisa mu Alexandra muJohannesburg.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNcube kuti tinzwe zvakaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG