Accessibility links

Breaking News

ICG Yokurudzira Hurumende yeMubatanidzwa Inotungamirwa  naVaTsvangirai


Sangano reInternational Crisis Group rinoti vatungamiri vemuAfrica nevekunze kweAfrica vanofanirwa kubatsira Zimbabwe kuti iumbe hurumende yemubatanidzwa yeZimbabwe inenge ichitungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Sangano iri rinoti harioni vakuru vemauto vachibvuma kuti VaTsvangirai, avo vari kutarisirwa kukunda VaMugabe musarudzo yemwedzi unouya, vachitenderwa kuti vange vachitonga.

ICG inoti vatungamiri vemuAfrica vave pamudyandigere, vanofanirwa kuisa musoro pamwe chete, kuitira kuti vanyengetedze VaMugabe kuti vasiye VaTsvangirai vachiumba hurumende yemubatanidzwa.

Sangano iri rayambira kuti VaMugabe vakaramba vakabata matomu, hupfumi hwenyika hunoramba huchienda kumawere.

VaSydney Masamvu vanoongorora zvematongerwo enyika muICG kuchamhembe kweAfrica.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vamwe vakuru vemauto havasi kuzofa vakatendera VaTsvangirai kuti vatonge nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG