Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoita Rusarura paVaongorori veSarudzo?


Masangano akazvimirira oga anoongorora sarudzo ari kutsutsumwa zvikuru nedanho riri kuda kutorwa nehurumende, rekuti vanyorese zvakare patsva, kuitira kuti vabvumidzwe kuongorora sarudzo yemutungamiri wenyika mwedzi unouya.

ZESN inoti izvi hazvina maturo, sezvo sarudzo iyi yakafanana neyakaitwa muna Kurume. Sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, vaudza Studio 7 kuti kana vaudzwa zviri pamutemo, vachaendesa zvakare chikumbiro ichi. Asi vati zvinoshamisa kuti hurumende iri kuda kuti masangano ari munyika atsvage zvakare mvumo, asi iyo yakabvumidza masangano ekunze anosanganisira SADC, African Union nedzimwe nyika dzavanoshamwaridzana nadzo, kuti vauye zvakare pasina kukumbira mvumo patsva.

Zvichitevera hurongwa huri kuda kuitwa nehurumende, nhengo dzechechi yeRoma dzaita musangano wechimbi chimbi wekuzeya nyaya iyi. Musangano uyu waiitirwa muBulawayo, uye wapindwa nevamiriri vemachechi e Roman Catholic makumi masere.

VaAlois Chaumba ndivo National Director veCatholic Commission for Fustice and Peace, kana kuti CCJP.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Chaumba kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG