Zvichitevera mashoko eMDC ekuti pane hurongwa hwekuuraya mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, kana vadzoka kumusha, munyori mukuru webato iri, vaTendai Biti, vazivisa kuti pane vanhu veku military intelligence gumi nevasere, avo vari kushandiswa nehurumende mukuda kuuraya VaTsvangirai.
Vachitaura vari kuNairobi, Kenya, VaBiti vati vane ruzivo ruzere nezvehurongwa uhu. Zvisineyi neizvi, VaBiti vanoti VaTsvangirai vachadzokera kuZimbabwe nguva shoma inotevera. Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti mashoko ehurongwa hwekuuraya VaTsvangirai ndeemanyepo.
Ukuwo nyanzvi munyaya dzechiuto pamwe nemashandirwo ezvombo, Retired Lieutenant Colonel Martin Rupiya, vanoti chinogona kuva chokwadi kuti pane hurongwa kwekuuraya VaTsvangirai.