Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Mauto Ngaabude Mumaruva


Bato reMDC rinoti riri kukumbira rubatsiro kuAfrica Union, pamwe nekuSADC, kuitira masangano aya audze VaMugabe kuti vabvise mauto mumamisha nekuti ari kutadzisa bato iri kutsvaga rutsigiro. MDC iri kukumbirawo SADC kuti itumire vaongorori vesarudzo nekuchimbidza, kuitira kuti mhirizhonga iri munyika imire.

Asi vakuru muSADC vanoti vachatumira vaongorori ava muSvondo reChipiri remwedzi unouya, zvichireva kuti mhirizhonga iri munyika ichatoramba ichikwira.

Vakuru veSADC vanoti kunyange hazvo zuva resarudzo rakatarwa, havasati vakokokwa zviri pamutemo kuti vauye munyika.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC.

VaChamisa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti SADC ngaipindire panyaya iyi nekuti hapana chitsvene chingabuda musarudzo idzi nekuda kwemamwe mauto ari kupfuvisa vatsigiri vavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG