Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voramba Vachifa muMhirizhonga


Mhirizhonga inonzi ichiri kuendera mberi kuMashonaland Central neMashonaland East, uko vatsigiri veMDC vanonzi vachiri kushungurudzwa nekupondwa.

Zvinonzi vanhu vana vakuvara zvakaipisa mukurwisana kwaitika mambakwedza paMadziwa Mine, kuMashonaland Central. Misha yakawanda inonzi yaparadzwawo muchiitiko ichi. KuMt Darwin East, chimwe chitoro chemutsigiri weMDC, chinonzi chapazwawo, zvinhu zvakabiwa.

Mamwe mashoko anoti papurazi reDolphin mumwe murume akasungirirwa mumba make akafa svondo rapera, uye mutumbi wake unonzi uchiri mumba iyi, sezvo hama dzake dziri kurambidzwa kumuviga.

Mubhuku rekwaKadenge kwaMurewa, zvinonzi mumwe musoja akabvutirwa pfuti mushure mekunge atanga kurova vatsigiri veMDC. Mashoko atatambirawo anoti usiku hweChina, vatsigiri veMDC vatatu kuPfungwe, Mashonaland East, vakapondwa nevatsigiri veZanu PF.

Zvichakadaro, nhengo dzeMDC mbiri dzinoti VaGodfrey Kauzani naVaCain Nyevhe, idzo dzakatsakatika usiku hwapondwa VaBetter Chakururama, dzinonzi dzakawanikwa dzakapondwa kuGoromonzi, uye bato iri rakazoziviswa nezvekufa kwavo neSvondo.

Zvinonzi mitumbi yevarume vaviri ava ine mavanga ekubayiwa-bayiwa uye kuchekwa-chekwa. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti huwandu hwenhengo dzavo dzakapondwa kusvika pari zvino, hwasvika pamakumi mana nevatatu. Kutaura kuno, vanhu vanodarika mazana maviri, vari kutsvaga hupoteri pamuzinda webato iri muHarare.

Munyori musangano revechidiki muMDC, VaSolomon Madzore, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zviri kuitwa neZanu PF kuda kutyisidzira vatsigiri vavo sarudzo dzeRun-Off dzisati dzaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG