Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheChaona Chinovharwa Zvichitevera Mhirizhonga kuChiweshe


Vadzidzisi vatanhatu vepaChaona Primary School kuChiweshe, vari kurapwa vari paHoward Mission Hospital, zvichitevera kurohwa kwavakaitwa nevatsigiri veZanu PF svondo rapera.

Varairidzi ava vanosanganisira varume vana pamwe nevanhukadzi vaviri. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, varairidzi ava vanoti vava kutya kudzokera kunodzidzisa pachikoro ichi.

Nepamusana pemhirizhonga iyi, vana vepachikoro ichi havasi kudzidza, sezvo pasina vadzidzisi.Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezve dzidzo, pamusoro pematanho ariri kutora, tichatarisa mamiriro aita zvinhu muzvikoro zvizhinji.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 ...

XS
SM
MD
LG