Accessibility links

Breaking News

ZESN ne ZEC Dzozeya Mitemo yeSarudzo yeRun Off


Kunyange hazvo gurukota remutemo VaPatrick Chinamasa, vakabuditsa mashoko ekuti sarudzo yemutungamiri wenyika, ichaitwa zvakare mukati memazuva makumi mapfumbamwe, zuva resarudzo harisati ratarwa.

ZEC inoti mutemo unoibvumidza kutara zuva iri, zvisineyi nezviri kutaurwa nevanopikisa zvekuti ZEC haina masimba ekuita izvi.

Sachigaro weZEC, Retired Brigadier George Chiweshe, vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti vachiri kuda kumbotanga vaona kuti gadziririro yesaraudzo iyi yave papi, vasati vataura zuva richaitwa sarudzo iyi.

ZESN inotiwo pane zvizhinji zvinofanirwa kuitwa sarudzo yemutungamiri wenyika isati yaitwa zvakare.

Sangano iri rinoti munyika munofanirwa kunge muine runyararo. Vati zvakare vanhu vanofanirwa kudzidziswa zvakakwana, uyezve ZEC inofanirwa kuita basa yakazvimirira yoga, kwete zviri kuitika iye zvino, izvo zviri kuratidza pachena kuti iri kuudzwa zvekuita nehurumende.

ZESN iri kuti zvakare vari kukwikwidza vanofanirwa kupihwa mukana wakafanana wekushambadzira padzinhepfenyuro nemumapepanhau.

Muhurukuro yavaita naCarole Gombakomba weStudio7 Va Kututwa vajekesawo kuti kunyange hazvo paine kupokana kubva kune vanopikisa hurumende, ZEC, ndiyo ine masimba ekubata basa iri zviri pamutemo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7..

XS
SM
MD
LG