Accessibility links

Breaking News

America Yonetsana neZimbabwe paNyaya yeMhirizhonga


Paita ropa rakaipa pakati peZimbabwe neAmerica mushure mekunge mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, vanetsana nemapurisa neChipiri, apo vakaenda kunoona kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu kumaruwa eMashonaland Central.

Mapurisa akamboedza kurambidza VaMcGee kuona vanhu vari kurapwa vari pa Howard Mission Hospital.

Hurumende inoti VaMcGee vari kutyora mutemo, sezvo vari kufamba munzvimbo dziri kunze kweguta vasina kuudza hurumende.

Asi VaMcGee vaudza Studio 7 kuti havana mhaka yavakapara, asi kuti VaMugabe mbune ndivo vakatovakurudzira kupinda mumaruwa vachinozvionera voga kuti munyika makaita sei, kwete kuita zvekuudzwa navamwe.

VaMcGee vaenderera mberi vakati mamiriro akaita zvinhu munyika, haakodzeri kuti paitwe sarudzo dzakachena.

VaMcGee vakurudzirawo SADC kuti ipindire pane zviri kuitika muZimbabwe, kuitira kuti idzore hurumende yaVaMugabe iyo iri kukonzera mhirizhonga.Studio7 haina kukwanisa kutaura nehurumende pamusoro pemashoko aVaMcGee.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG