Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokwikwidzanazve naVaMugabe Mukati meMwedzi Mitatu


Zimbabwe Electoral Commission yave kuzoita sarudzo yemutungamiri wenyika zvakare, kana kuti run-off, mukati memazuva makumi mapfumbamwe kubva pakaziviswa zvakabuda musarudzo yekutanga.

Mashoko aya abuditswa mu special edition ye Government Gazette. Asi sachigaro veZEC, Retired Brigadier General George Chiweshe, vaudza Studio 7 kuti havasati vanyatsoronga zuva chairo rekuita sarudzo iyi.

VaChiweshe vati havaoni paine dambudziko rekuti sarudzo iyi iitwe, zvisinei nemashoko ekuti vanhu vazhinji vari kushungurudzwa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika

Muhurukuro yavaita nemutori wenhau Carole Gombakomba, VaChiweshe vatanga nekutsanangura zviri kuvapa masimba ekuronga nezvezuva resarudzo iyi, zvisineyi nekuti mutungamiri wenyika, ndiye anofanirwa kutara mazuva esarudzo dzemunyika nguva dzose.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG