Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Onetsa Ambassador McGee neVamwe Vavo


Mapurisa nhasi ambomisa mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, kunze kweHarare apo vanga vachitsvakiridza mamiriro akaita zvinhu munyaya dzemhizhonga. VaMcGee vanetswazve apo vanga vava kudzokera kuHarare, apo vamiswa vachinzi vanga vari kufamba munzvimbo iyi vasima kusuma hurumende.

Ambassador McGee vange vachifamba nevamwe vamiri vedzimwe nyika vanobva kuNetherlands, Tanzania, Japana pamwe nenyika dzemu European Union.

Ambassador McGee vatanga kunetsana nemapurisa apo vanga vachida kupinda muchipatara chine vanhu vakakuvadzwa mumhirizhonga iri kuitika kuChiweshe. VaMcGee vazopedzisira vavhura maghedhi vega, ndokubva vaudza vanhu vavanga vainavo kuti vapinde mukati.

Chiitiko chechipiri chaitika apo vanga vava kudzokera kuHarare. VaMcGee vashora zvikuru hurumende pamusoro pemhirizhonga iri kuitika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 ...

XS
SM
MD
LG