Dzimba dzevatsigiri veMDC vakawanda kuShamva kuMashonaland Central, dzinonzi dzaparadzwa nevechidiki veZanu PF pamwe nevanozviti vakarwa muhondo yerusunguko.
Izvi zvinonzi zvaitika mambakwedza eChina mumisha yeWadzanayi neShamva Mine. Vatsigiri veZanu PF vanodarika mazana matatu vanonzi vaparadzawo midziyo yakawanda muchiitiko ichi.
Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata Mai Mavis Fata, avo vanoti vaparadzirwa imba, midziyo pamwe nedzimotokari muWadzanayi, kuShamva kwakare.
MuWard 28 kuMakoni South, Manicaland, vakarwa hondo pamwe nevechidiki veZanu PF vanonzi varova pamwe nekupisa misha yenhengo dzeMDC.
Vanoona nezvekufambiswa kwezve matongerwo enyika muZanu PF, VaElliot Manyika, vanonzi vaitawo musangano nevatsigiri vebato ravo kuNyazura, uko vanonzi vaudza vanhu vaungana pamusangano uyu, kuti vose vanopikisana neZanuPF vanofanirwa kuzvipira pamwe nezvose zvavainazvo kana kuti vabude mudunhu iri kana vakasaita zviri kudiwa. Studio 7 yatadza kubata VaManyika kuti tinzwewo divi ravo.
Mhirizhonga yaitikawo kuMutasa South, Manicaland, uko vamwe vakuru vane makore makumi masere ekuberekwa, VaDonald Nyakanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti varohwawo zvakaipisisa nevechidiki veZanu PF.
Ukuwo vatsigiri vaviri veMDC vemuWard 17 mumusha wekwaTsonzo kuMutasa Central, vakarohwawo zvakaipisisa nemasoja, achibatsirwa nevatsigiri veZanu PF, vakasiyiwa vachinzi vafa nemusi weMuvhuro. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, vaviri ava vazoendeswa kuchipatara chiri kwaMutare neChina uko vari kurapwa.
Kwotiwo vamwe vevanhu vakarohwa kutanga kwesvondo rino kuChiweshe kuMashonaland Central, vanoti vakaona mumwe wavo achifa apo airohwa nemasoja achibatsirwa nevatsigiri veZanu PF.
Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau Slyvia Manika, vamwe vevakarohwa vari kurapwa muHarare.