Accessibility links

Breaking News

ZESN: Mhirizhonga Iripo Inovhiringa Sarudzo


Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti harisi kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, sezvo Zimbabwe Electoral Commission, isina kutevedza zvinodiwa nemutemo.

ZESN inotiwo iri kukumbirisa zvikuru mapurisa nevemapato ezvematongerwo enyika, kuti vapindire mukuchengetedza hupenyu hwevanhu vanga vachiongorora sarudzo vari pasi pesangano iri.

ZESN inoti zvichitevera musangano weZANU-PF ku Mt Darwin neSvondo, uyo wakashevedzerwa naVa Siyamvuma Chikwasha, avo vaimbova muuto, vechidiki veZANU-PF nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vanodarika mazana maviri, vari kupisa misha yevanhu vaiongorora sarudzo, pamwe nekuvashungurudza.

Nhengo dzeboard reZESN dzakatoita musangano wechimbi chimbi, wekuzeya zviri kuitika izvi.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nasachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, avo vanoti mamiriro akaita zvinhu munyika, haaiti kuti munyika muitwe sarudzo dzakanaka munguva shoma inotevera.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG