Accessibility links

Breaking News

Masoja Otungamira Mukushungurudza Vanopikisa VaMugabe


Mhirizhonga iri kukonzerwa nevatsigiri veZanu PF inonzi iri kuramba ichienderera mberi munzvimbo dzakawanda, zvikuru munzvimbo dzeMasvingo, idzo dzanga dzisati dzanyanya kusangana nedambudziko iri.

Masoja anonzi akatobvisa nyembe masabhuku mana, ayo ari kunzi anotsigira MDC mudunhu reMwenezi, vachiisa veZanu PF. Vanhu vanonzi vari kugara vakabatirawo ura mumaoko kwaGutu, mudunhu raShe Munyaradzi zvichitevera kuvimbiswa kwavakaitwa naShe nevatsigiri veZanuPF, kuti vachabvisa vose vanopikisa bato reZanu PF, uye kuparadza misha yavo.

Nhengo yeMDC muMasvingo, VaCharles Muzenda, avo vakatiza musha wavo mukupera kwesvondo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti masoja akatopika kuti ndivo vavakutonga nyika.

Zvichakadaro, sangano reMurewa Community Development Trust, rinotiwo kushungurudzwa kwevarairidzi mudunhu reMashonaland East, kuri kuramba kuchiendererawo mberi.

Sangano iri rinoti rakaita ongororo muzvikoro gumi nezvishanu mudunhu iri, rakaona kuti varaidzi vakawanda havasati vadzoka kumabasa.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri, VaVillem Nyama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti varairidzi vari muzvikoro pari zvino vari kurambidzwa kubva pazvikoro nevatsigiri veZanu PF ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG