Accessibility links

Breaking News

MDC Yoramba Yakatsika Madziro Ichiti VaMugabe Vakakundwa


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vachataura nezvekuti vachapinda musarudzo ye run off here kana kuti kwete, kana ZEC yazivisa zuva resarudzo iyi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, vanoti bato ravo harisatiwo ragara pasi kuti rione kuti roitasei panyaya iyi.

Asi dare remakurukota kuchamhembe kwe Africa, SADC troika, rati mapato ose ngaapinde musarudzo iyi, uye anofanirwa kutambira zvakabuda musarudzo iyi.

MDC iri kuramba kutambira mashoko eSADC aya, uye inoti ine chivimbo chekuti African Union, ichitsigirwa neUnited Nations, dzichapindira mukugadzirisa gakava iri.

Munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, nekudaro havaoni chikonzero chekuti paitwe imwe sarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG